World Oral Day Outreach Programme — Tariro Clinic (Hopley)
EventsCommunity OutreachOral Health

World Oral Day Outreach Programme — Tariro Clinic (Hopley)

Harare Institute of Public Health
![World Oral Day Outreach Programme poster](/images/uploads/2026/03/world-oral-day-outreach-programme-hopley.png) Vagari vemuHopley, tinoda kukuzivisai kuti tichange tiripo paTariro Clinic musi weChishanu, 20 Kurume nemusi weMugovera, 21 Kurume (20–21 March) tichicherechedza nekuparidza kukosha kwehutano hwemazino. Isu veHIPH tichange tiripo tichikupai ruzivo rwakazara pamusoro pehutano hwemazino muchikurukura nevadzidzi vedu veNursing Assistant, uye tichakupaiwo ruzivo rwakadzama pamusoro pemakosi akasiyana-siyana atiinawo paHIPH. Pazuva iri tichange tichipawo pachena mishonga yekukweshesa mazino pamwe chete nemabhurasho emazino (toothbrushes). Ngatisanganeyi kuHopley svondo rino, munogamuchirwa mose. Source: [Facebook post](https://www.facebook.com/share/p/18MErCeJYh/)

Tags

World Oral DayDental HealthHopleyTariro ClinicOutreach
Contact us on WhatsApp